Moyo chena unouraisa. Simba mukomana achangozvipedzera zvake dzidzo paUniversity of Zimbabwe. Anozvipira kuyamura Shamiso uyo waanononga padivi pemugwagwa paanosiya akandwa naBhanditi nechikwata chake. Paanosvika kumba kwavabereki vake anobva anzi ndiye Bhanditi adzoka. Anovharirwa mumba achinzi anozoburitswa kana chikwata chake chadzora zvachakabvuta. Simba aitarisira kutendwa asi hazvina kuita sokufunga kwake. Nyaya yaMushamba irondedzero yeruvhunambwa rwuri kutiza mazimbwa ane ukasha ari kungoti dai arubata akanyika meno mumunyepfu warwo irwo rwuchiavhunanisa mukuruumburudza ruchipoya nemumateya mawo apo anenge arumbumura. Inopinda mumakomba egoridhe, mumipata yezvinodhaka pamwe nemumachokoto euterera, zvichipa muverengi kufunga kuti,
kurarama chii munyika? Zvino iye wemarengenya angacharika marimi emoto akasabatira here? Ko akabatira moto achaudzimura sei uye nani?
Zvinzwirei hudobidobi hwenyaya inosiririsa yakanyorwa zvemhando yepamusoro.
Sprache
Produkt-Hinweis
Broschur/Paperback
Klebebindung
Maße
Höhe: 198 mm
Breite: 129 mm
Dicke: 10 mm
Gewicht
ISBN-13
978-1-914287-13-8 (9781914287138)
Copyright in bibliographic data and cover images is held by Nielsen Book Services Limited or by the publishers or by their respective licensors: all rights reserved.
Schweitzer Klassifikation